Ndamuda

Killer T

[Intro]
Hot Property!
Ahaaa ahaaaaaa
Tamuka!

[Verse 1]
Ndakamuona ari ega achizvifambira
Ndikati nguva newe kah ndinokumbira
Hameno kana paine pandokuzivira
Ndikati musikana dai wandidaira
Zvikanzi mukuwasha dai mandikwanira
Munenge mune ruchiva ndorino kufurirai
Ndikati zvamandipa ndinongotambira
Ndikati uyu mukana ndotoushandisa
Ndikati mhamha vangu ndotovazivisa
Asi vakanozviramba

[Chorus]
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire ehe ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure ehe ndinomutakura
Mbabvu mudiwa wangu ndomubereka ahhhh

[Verse 2]
Ndaida auye kumba muroora wenyu ndinoda mundinzwewo aha
Vakanditi hazvigone uchiri mwana hauzvikwanisewoo aha
Chinonzi regera ndochiri mumaoko
Kunyangwe mukanditakudza tsvinga remashoko
Ringave pfumo rerudo ririmo mumoyo
Parichabhebha moto muchanzi hokoyo

[Verse 3]
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndirwo runondituma
Ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire ehe ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure ehe ndinomutakura
Mbabvu mudiwa wangu ndomubereka ahaaa

[Pre-Chorus]
Ndakamuona ari ega achizvifambira
Ndikati nguva newe kaah ndinokumbira
Hameno kana paine pandokuzivira
Ndikati musikana dai wandidaira
Zvikanzi mukuwasha dai mandikwanira
Munenge mune ruchiva ndorinokufurirai
Ndikati zvamandipa ndinongotambira
Ndikati uyu mukana ndotoushandisa
Ndikati mhamha vangu ndotovazivisa
Asi vakanozviramba

[Chorus]
Kana ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Ndichinge ndamuda mhamha musandirambidze
Rudo ndiro runondituma
Achida kuti ndimutambire ehe ndinomutambira
Achida ndimuimbire ehe ndinomuimbira
Achida kuti ndimutakure ehe ndinomutakura
Mbabvu mudiwa wangu ndomubereka ahaaa
Achida ndimutambire mbabvu mudiwa wangu ndomubereka ahhhaaaa
Achida ndimutakure mbabvu mudiwa wangu mdomubereka ahaaaa

Curiosités sur la chanson Ndamuda de Killer T

Quand la chanson “Ndamuda” a-t-elle été lancée par Killer T?
La chanson Ndamuda a été lancée en 2018, sur l’album “Mashoko Anopfuura”.

Chansons les plus populaires [artist_preposition] Killer T

Autres artistes de